1 Corinthians 12

Kusiyana kwezvipo zveMweya

1Zvino maererano nezvipo zveMweya, hama, handidi kuti musaziva. 2Munoziva kuti maiva vahedheni muchikweverwa kuzvifananidzo mbeveve, sevanotungamirirwa. 3Saka ndinokuzivisai, kuti hakuna munhu anotaura neMweya waMwari anoti: Jesu ndichakatukwa; uye hakuna munhu angati: Jesu ndiIshe, kunze neMweya Mutsvene. 4Zvino kune marudzi akasiyana ezvipo, asi Mweya ndeumwe. 5Uye kune marudzi akasiyana eushumiri, asi Ishe mumwe. 6Kune marudzi akasiyana emabasa, asi ndiMwari umwe, anobata zvese mune vese. 7Asi umwe neumwe anopiwa kuratidza kweMweya kune zvinobatsira. 8Nokuti kune umwe kunopiwa neMweya shoko reuchenjeri, nekune umwe shoko reruzivo, neMweya iwoyu; 9nekune umwe rutendo, neMweya iwoyu, nekune umwe zvipo zvekuporesa, neMweya iwoyu; 10nekune umwe kuita mabasa esimba, nekune umwe chiporofita, nekune umwe kupatsanura mweya, nekune umwe marudzi endimi, nekune umwe kududzira ndimi; 11asi izvi zvese Mweya iwoyu umwe unozviita, unogovera umwe neumwe pachake sezvaanoda.

Mitezo mizhinji asi muviri umwe

12Nokuti muviri sezvauri umwe, uye une mitezo mizhinji, nemitezo yese yemuviri uyu umwe, kunyange iri mizhinji, muviri ndeumwe; wakadarowo Kristu. 13Nokutiwo neMweya umwe isu tese takabhabhatidzirwa mumuviri umwe, kana VaJudha kana VaGiriki, kana varanda kana vakasununguka; tesewo takanwiswa paMweya umwe. 14Nokutiwo muviri hausi mutezo umwe asi mizhinji. 15Kana rutsoka rukati: Nokuti handisi ruoko, handisi wemuviri; zvisinei naizvozvi harwusi rwemuviri here? 16Nenzeve kana ikati: Nokuti handisi ziso, handisi wemuviri; zvisinei naizvozvi haisi yemuviri here? 17Dai muviri wese waiva ziso, kunzwa kwaivepi? Kana wese waiva kunzwa, kunhuhwidza kungadai kuripi? 18Asi zvino Mwari wakagadza mitezo, umwe neumwe wayo, pamuviri, sezvaakada. 19Asi kana yese yaiva mutezo umwe, muviri ungadai uri kupi? 20Asi zvino mitezo mizhinji, asi muviri umwe. 21Uye ziso harigoni kuti kuruoko: Handinei newe; kanazve musoro kutsoka: Handinei newe. 22Asi zvikuru kwazvo mitezo iyo yemuviri inoonekwa seisina simba zvikuru, inodikanwa; 23naiyo yemuviri yatinofunga kuti haikudzwi, ndiyo yatinopa rukudzo zvakawedzerwa; nemitezo iyo yedu isina kunaka ine runako rwakawedzerwa; 24asi yedu ine runako haishaiwi; asi Mwari wakabatanidza muviri pamwe, apa rukudzo rukuru kune yaishayiwa, 25kuti parege kuva nekupatsanurana pamuviri; asi mitezo ichengetane zvakaenzana. 26Uye kana mutezo umwe uchitambudzika, mitezo yese inotambudzika pamwe nawo; kana mutezo umwe uchikudzwa, mitezo yese inofara pamwe nawo. 27Zvino imwi muri muviri waKristu, nemitezo, umwe neumwe. 28Uye Mwari wakagadza vamwe pakereke, kutanga vaapositori, kechipiri vaporofita, kechitatu vadzidzisi, kozouya mabasa esimba, tevere zvipo zvekuporesa, mabasa erubatsiro, utungamiriri, ndimi dzakasiyana-siyana. 29Vese vaapositori here? Vese vaporofita here? Vese vadzidzisi here? Vese vanoita mabasa esimba here? 30Vese vane zvipo zvekuporesa here? Vese vanotaura nendimi here? Vese vanodudzira here? 31Asi shuvai zvipo zvakanakisisa. Uye ndichiri kukuratidzai nzira yakanakisisa zvikuru.

Copyright information for Shona